shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Monday, May 29, 2006

Rubvumo Rukuru

Baba wamasimba ose, mune ngoni dzose;
takakanganisa, tikasiya nzira dzenyu sehwai dzakarasika.
Takatevera zvikuru mano edu nezvido zvemwoyo yedu.
Takadarika mirau yenyu mitsvene.
Yakarega kuita zvinhu zvatakafanira kuita;
takaita zvinhu zvatisakafanira kuita;
hapana utano matiri.
Asi, imi Ishe, tinzwirei ngoni, tiri vatadzi vane mwoyo yakaundundika;
varegererei, Mwari, ivavo vanobvuma zvidariko zvavo;
dzorerai vakadzoka munzvimbo yavo;
sezvivimbiso zvenyu zvakasvingudzirwa kuvanhu naKristu Jesu, Ishe wedu.
Itai, Baba mune ngoni dzose, nenzira yake, kuti kubvira zvino tigare upenyu hwouMwari, hwenduramo, hwakadzikama, kudzinge kukurumbidzwe zita renyu dzvene.
Amen.

Sunday, May 28, 2006

Mangwanani Akanaka

Muzita raBaba nereMwanakomana neMweya Mutsvene, Amen.
Ndinouya pamberi penyu kuzokurumbidza zita renyuDzvene
Ndinotenda kutangazuva iri rakanaka .
Ivai neni nguva dzose.
Ndinonamatira vanhu vekuIndonesia kwakaitika earthquake nezuro kukafa vanhu 3500 kuYogyarkata pa chitsuwa (Island) che Java kwandakaenda muna 1989 kundodziidza. Ndine urombo kwazvo. Nyaradzai hama dzavo.
Amen.

Saturday, May 27, 2006

Maita Zvenyu Musiki Wangu

Baba Wedu Vari Kudenga, kudzwai nekusingapere
Ndinokutendai zvikuru nemakomborero amandipa nhasi necheque ye £750 iyo ichandibatsira pamortgage nemabills ndakamirira mafees emastudents edu. Ndashamisika kwazvo nekudaira kwamaita minamato yangu pane ino nguva yakaoma muhupenyu hwangu. Mune rudo rukuru. Mune tsitsi dzisingapere. Munoona zvese zviri pasi. Munondinunura pandinenge ndapererwa. Munondida. Ndinokudai Musiki wangu. Chindikomborerai ndikurire Satani. Kuburikidza nezita raJesu Kristu ne Mweya Mutsvene. Amen.

Friday, May 26, 2006

Hymn 3

Mwari muri zuva redu
Munopenya pauzuru
Munovenekera mweya
Munotiratidza nzira

Mwari muri nhowo yedu
Hatidzitye mhandu dzedu
Dzose dzinokundwa nemi
Tigofamba nokufara

Munotipa ngoni dzenyu
Munotipawo utsveve
Munopa vanonamata
Izvo zvinokomborera

Rukomborero rukuru!
Rukomborero rwedenga!
Kuna vanovimba nemi
Vanoziva rudo rwenyu

Amen

Ishe Ndinunureiwo Pakumanikwa

Baba wedu ari kudenga. Ndinokutendai netsitsi dzenyu dzekundipa upenyu, utano, ungwaru, nazvose zvandinokukumbirai. Ngarirumbidzwe zita renyu Dzvene nokusingapere.

Ndauya pamberi penyu baba, kuzokukumbirai kuti mundinunurewo pakumanikwa nezvipingidzo zvepano panyika. Ndinonamatira vana vangu, hama dzangu, vadzidzi vedu, vavengi vangu, vanogara kudzimba dzedu kuti vadzichengete, imba yedu, business redu, nepfuma yamakandipa iri kuno nekumusha kuZimbabwe. Ndinoda iwande. Ndipeiwo Mweya Mutsvene ndikunde Satani nezviyedzo zvese.

Handina mazhinji Samatenga. Inzwaiwo munamato wangu. Kuburikidza nezita raJesu Kristu, Mwana komana wenyu neMweya Mutsvene. Nokusingapere.
Amen.

Wednesday, May 24, 2006

Ndiropafadzei Mambo

Mwari Baba Wedu vari Kudenga

Ndinotenda nechipo chehupenyu, nehope dzamandipa.

Ndafara kwazvo kuziva (nehope) kuti hanzvadzi yangu Gertrude wamakatora 'akapfekedzwa bhachi' zvichireva kuti makamugamchira zvakanaka semutendi, panguva ino yatatarisana nayo yekumuyeuka kufa kwake muna June 2002.

Chengetai Mweya Wake murugare. Tinzwireiwo ngoni. Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu. Ndiropafadzei nekukunda Satani. Kuburikidza nezita raJesu Kristu Mwana Komana Wenyu.

Nokusingapere.

Amen.

Monday, May 22, 2006

Handitye kana ndinemi

Baba wedu ari kudenga, ndinovimba nemi nguva dzose, murugare nemumatambudziko.
Ndinzwireiwo tsitsi. Handitye kana ndinemi. Ndipeiwo Mweya Mutsvene undichengete, kuburikidza muzita raJesu Kristu, Mwana komana wenyu.

Amen.

Sunday, May 21, 2006

Ndinunureiwo Ishe

Ndipeiwo chipo che Mweya Mutsvene ndikunde zvipingidzo zvese zviri kundinetsa. Ndinokumbira zvese izvi kuburikidza nezita raJesu Kristu neMweya Mutsvene.
Amen.

Saturday, May 20, 2006

I pray for your mercy

In the name of the Father, the Son and the Holy Ghost, Amen
Our Father who art in Heaven; forgive me my sins
Lord have mercy on me; rescue me from this rut
Save me from Satan's evil grip; take care of my enemies and deal with them
Bless me Oh Lord with good health, the Holy Spirit, good morals, breakthrough, success, sweet dreams.
Lord hear my prayer

Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu
Ndinunureiwo pamatambudziko ari kundishusha
Ndikomborereiwo neMweya Mutsvene ndikunde mitoro yese yandakatarisana nayo.
Neropa raJesu Kristu Mwanakomana wenyu ndinotuka Satan
Zita renyu ngarikudzwe pasi nekudenga
Nekusingapere

Amen.

O happy day, that fixed my choice
On Thee, my Savior and my God!
Well may this glowing heart rejoice,
And tell its raptures all abroad.

Refrain

Happy day, happy day,
when Jesus washed my sins away!
He taught me how to watch and pray,
and live rejoicing every day

Happy day, happy day,
when Jesus washed my sins away.

O happy bond, that seals my vows
To Him Who merits all my love!
Let cheerful anthems fill His house,
While to that sacred shrine I move.

Refrain

’Tis done: the great transaction’s done!
I am the Lord’s and He is mine;
He drew me, and I followed on;
Charmed to confess the voice divine.

Refrain

Now rest, my long divided heart,
Fixed on this blissful center, rest.
Here have I found a nobler part;
Here heavenly pleasures fill my breast.

Refrain

High heaven, that heard the solemn vow,
That vow renewed shall daily hear,
Till in life’s latest hour I bow
And bless in death a bond so dear.

Refrain

Amen.

Thursday, May 18, 2006

Hymn 177

Ishe wangu maindisa
Pakurasika kwangu
Ishe wangu maindironda
Chete mugwara rangu
Ndawanikwa Ishe wangu

Ishe wangu iro’zwi renyu
Ndiwoyo mwenje wangu
Ishe wangu nengoni dzenyu
Dzinondifarisawo
Ndinofara Ishe wangu

Ishe wangu noMweya wenyu
Wondiita mutsvene
Ishe wangu kudenga renyu
Iroro musha wangu
Ngandipinde, Ishe wangu

Amen.

Muri kwese kwese

Mwari Baba vedu vari kudenga
Zita renyu ngarirumbidzwe pasi nekudenga
Ndinotenda neiyoyi nguva yekukunamatai
Kuburikidza naJesu Kristu mwanakomana wenyu
Muri kwese kwese nguva dzose
Munondichengeta
Munondikomborera
Munondiregerera
Munondida
Ropafadzai zuva iri ranhasi
Ndidzivirirei pakunetswa naSatani
Ndipeiwo mweya mutsvene
Ugare mandiri rinhinarinhi
Amen.

Tuesday, May 16, 2006

Munondidzivirira matambudziko

Baba wedu ari kudenga
Zita renyu ngarirumbidzwe
Pasi nekudenga
Narinhi narinhi

Ndinokutendai nemakomborero amandipa
Hupenyu, hutano, zvipo zvepfuma nekukunda Satani
Zvose izvi mandipa nekuda kwetsitsi dzenyu
Munondidzivirira matambudziko ndisingazvizive

Naizvozvo ndinokumbira ruregerero rwezvitadzo zvangu
Ndinokukumbirai muropafadze vana vangu, nevanhu vandinoshanda navo kubusiness rangu recollege
Dzivirirai Satani asapinde pakati pangu nevatinodzidzisa
Vaitei vose kuti vatiripewo pasina gakava

Amen

Monday, May 15, 2006

Hymn 12

7.7.7.7.7.7

Ndinoshamiswa kwazvo
Namabasa makuru
Akaiitiwa nemi,
Ose anorumbidzwa
Ukuru hwenyu Mwari
Hunoshamisa kwazvo.

Kana ndarangrira
Mabasa okudenga.
Kana ndrangira
Mabasa apanyika,
Inobuda misodzi
Kana ndafunga imi.

Mwari Vatatumumwe,
Itai tikudei;
Nokuti makatida
Makzotipa Jesu
Matipa Mweya wenyu
Wokutisimbaradza.

Rumbidzai iwe denga!
Rumbidzai iwe nyika!
Rumbidzai iwe gungwa!
Nesu ngatirumbidze!
Uyu musiki wedu,
Ano rudo rukuru.

Amen.
Copyright of C C Mashiri 2006. All rights reserved.

Sunday, May 14, 2006

Hymn 10

8.6.8.6

Mufudzi ndiye Jehova
Anondichengeta,
Hapana zvandinoshaya
Ndichivimba naye.

Pana mafuro manyoro
Ndinoguta kwazvo,
Ndinorara norugare
Ndisingavundutswe.

Anomutsa mweya wangu
Anondiponisa.
Panzira dzokurura
Anondifambisa

Nyangwe ndifambe murima
Handingatye chinhu
Nokuti imi muneni
Munondinyaradza.

Mandigadzirira kudya
Mberi kwavavengi,
Mandizodza namafuta
Handingatye chinhu.

Nduramo netsitsi dzenyu
Zvinozova nemi,
Ndichagara naJehova
Nokusingapere.

Amen.


Baba Wedu Vari Kudenga
Ndinokutendai nezuva ranhasi.
Ndikukumbirai mundiropafadze nehope dzakanaka
Ndikomborerei ndikunde zvipingidzo zvese kuno kumba nekubasa,
Dzingai Satan abve kwandiri

Ndinokumbira zvose izvi kuburikidza muzita raJesu Kristu Mwana komana wenyu, ne Mweya Mutsvene.

Amen.

Saturday, May 13, 2006

Hymn 141



Ndinofara kuti Baba wedu
Wareva rudo rwake rukuru
Murugwaro rwake rwakanaka
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Ndinofara Jesu wandida
Anondida, anondida
Ndinofara Jesu wandida
Ini anondida

Kana ini ndichimukanganwa
Iye anozondiyeuchidza
Zvino kwaari ndinodzokera
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Chorus

Jesu anondida kwazvo
Saka wandipa upenyu hwake
Kutadza kwangu wakakufira
Ndonzwa kuti Jesu anondida

Chorus

Mwoyo wangu uno Mununuri
Ndinotenda Jesu Mununuri
Zvino ndinogomubatirira
Nokuti ndonzwa Jesu wandida

Chorus

Friday, May 12, 2006

Thank you for the inspiration

Lord God Almighty, I thank you for the inspiration I got from your three messengers today - Tania, Nadia and Cherryanne who had come to enquire about dental nursing said prayers before leaving our office.

It was an uplifting experience.

It was unanticipated Lord.

It was very awesome.

I praise you for showing such great love and hope. May you bless them in their careers and whatever they do.

From now and forever.

Amen.

Thursday, May 11, 2006

Paradzai mabasa aSatani

Mwari samasimba, imi mune Mwanakomana wenyu akaropafadzwa.
Ndauya pamberi penyu kuzotenda nechipo chehupenyu nekurarama.
Ndinoziva kuti zvese zvandinazvo itsitsi dzenyu.
Ndinokukumbirai kuti mundinunureiwo pakushushwa naSatani muhupenyu wangu, kumba kwangu nekubasa.
Paradzai mhiko dzevavengi vangu dzishaye basa.
Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu.
Ndiropafadzeiwo pabasa rangu ribudirire, ndikwanise kubhadhara vandinepfuma yavo.
Itaiwo vane pfuma yangu vandiripe nemwoyo mutsvene.
Ropafadzai zuva iri rive rekukunda zvose.
Handikanganwe vana vangu. Vhurai pfungwa dzavo vadziidze nekubudirira kuitira ramangwana ravo.
Inzwaiwo muteuro wangu kuburikidza nezita raJesu Kristu neMweya Mutsvene.

Amen.

Wednesday, May 10, 2006

Kukumbira kuyamurwa naMwari

Mwari samasimba, usina ukoni;
tarisai netsitsi utera hwedu, mutambanudze rudyi rwenyu kwatiri kutiyamura nezvinhu zvatiine tsiku nazvo, nokutidzivirira mungozi;
nenzira yaJesu Kristu Ishe wedu.

Amen.
(Source: Methodist Church, (1964) Nziyo DzeMethodist Neminamato, Gwelo: Mambo Press page 286)

Tuesday, May 09, 2006

Hymn 255

Dombondipa meso ndione,
Pauzuru kudenga;
Ndionepo vano utsvene,
Vanofara kunaShe.

Zviya zvavaiva panyika
Vaichema misodzi;
Vaimanikwa nokuedzwa
Kusina kuzorora.

Vakaona rutsoka rwake
Rwananga paupenyu;
vakarondedza gwara rake
Vazorora kudenga.

Ngaarumbidzwe M'tungamiri
Nomuratidzo wake
Kusashaike muteveri
Panero gwara rake.

Amen.

Monday, May 08, 2006

Suffering often has a purpose

Book of Common Prayer (1928)

Our Father, who art in heaven, Hallowed be thy Name. Thy kingdom come. Thy will be done, On earth as it is in heaven. Give us this day our daily bread. And forgive us our trespasses, As we forgive those who trespass against us. And lead us not into temptation, But deliver us from evil. For thine is the kingdom, and the power, and the glory, for ever and ever. Amen. Source: http://www.georgetown.edu/faculty/ballc/oe/pater_noster.html

The Lord God Almighty, I thank you for the opportunity to worship you and praise your name, for it is holy and sacred. My bible reading today was very enlightening. I have learnt that, when he healed a blind man, Jesus rejected the idea that physical defects were necessarily a consequence of sin.

According to the Readers' Direct Illustrated Edition of the Bible 1990:769, He suggested, that suffering often had a purpose; the man's blindness, for example, led to his meeting with Jesus and his subsequent conversion to the Christian faith.

I agree that today I worship God more than ever before because of suffering;
  • because of being orphaned,
  • because of being lonely in the face of great challenges;
  • because of being helpless;
  • because noone could help me;
  • because Satan was harassing me
  • because the Lord Jesus Christ gave me the gift of realisation
  • because God kindly gave me the Holy Spirit to care for me

Amen

Saturday, May 06, 2006

A safe and sound round trip

Mwari Samasimba
Ndinotenda netsitsi dzenyu dzakaita kuti ndiende nekudzoka kuManchester zvitsvene.
Ndinorumbidza zita renyu dzvene kuburikidza nezita raJesu Kristu Mwanakomana wenyu, nemweya mutsvene.

Amen.

Thursday, May 04, 2006

Thank You

Almighty and Most Merciful Father, I thank you for blessing me with life and good health.

I pray that you protect me from the evil one as I shall be travelling today to Manchester for our training as moderators tomorrow.

I look forward to a safe return home tomorrow evening.

I know that everything is possible if done through you and our Lord Jesus Christ.

Father hear my prayer.

Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sokudenga kuburikidza nezita raJesu Kristu Ishe wedu, neMweya Mutsvene.

Nokusingapere.

Amen

Wednesday, May 03, 2006

HYMN 77

Mweya mutsvene waMwari
Garai muno mumba
Burukai zvino nesimba
Uya Mweya, uyai

Uyai Mweya, kufanana
Kupenya kwezuva
Venekerai mwoyo yedu
Onisai kuipa

Onisai rushavashava
Nezvirwere zvose
Titungamire panzira
Panenda vatsvene

Uyai serimi romoto
Pisai mwoyo yedu
Tichive zviteuriro
Kuna Ishe wedu

Uya Mweya kufanana
Dova rokudenga
Mwoyo isingabereke
Ive namapudzi

Uya senjiva yedenga
Mutivhumbamire
Namapapiro orudo
Noruregerero

Uyai sedutu remhepo
Nesimba renyasha
Kuti vanhu vakuonei
Noutsvene hwenyu

Uyai Mweya wokudenga
Mukugara kwedu
Mutiite musha wenyu
Uyai Mweya, uyai

Amen.

Tenzi wangu musandirase

Baba wedu vari kudenga
Zita renyu ngarirumbidzwe pasi nekudenga
Kuda kwenyu ngakuitwe
Ndinotenda nechipo chehupenyu chamandiropafadza nacho
Ndiregerereiwo zvitadzo zvangu
Ropafadzai maoko angu nezvose zvandiri kushingirira muhupenyu
Muzuva ranhasi ndinokumbirawo kuti musandirase Ishe wangu
Ndidzivirirei mukushushwa naSatan
Dzingai Satan abve mushure mangu, abve kumba kwangu, abve ku business rangu
Neropa raJesu Kristu, ndinotuka Satan
Nemhiko dzevavengi vangu dzose, ngadzishaye basa
Ndinoda Mweya Mutsvene uve neni nokusingapere.
Amen.

Tuesday, May 02, 2006

Thy will be done on earth

Baba wedu samasimba
Ndinokutendai netsitsi dzenyu
Ndinoda kurumbidza zita renyu dzvene
Handina mazhinji ishe wangu
Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sokudenga
Thy will be done on earth as it is in heaven
Chiropafadzai muranda wenyu nezvipo zvakawanda zvekubudirira muhupenyu nemukuyeuka kukunamatai.
Dzingati ngoni dzaBaba wedu vari kudenga, nekuwadzana kwoMweya Mutsvene ngakuve neni iye nhasi kudzamara kuve kusingapere.
Amen.

Monday, May 01, 2006

Hymn 209

Ishe taungana
Muno mumba yenyu;
Uyaiwo, zvatapinda
Ishe mberi kwenyu.

Iyo mwoyo yedu
Yokurwarirai;
Nayo mweya yedu Ishe
Yokutarirai.

Hurukuro dzenyu
Baba, ngatidzinzwe;
Razarurwa dama renyu
Nemi tikunzwei.

Tinatswewo, Ishe,
Isu vanhu venyu;
Kana tafa, tipinzewo
Mune denga renyu.

Amen.

Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nesu tose.

Amen.

Mayday Joy

In the name of the Father, the Son and the Holy Ghost!

Thank you Lord Jesus Christ for blessing me with life, health, fitness, food, and protection from the evil one on this wonderful 1st day of May 2006.

I beg you for forgiveness of my sins, for your mercy and success in all that I will do throughout this month and the rest of my life.

Amen