shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Friday, November 16, 2007

Mwari muna masimba ose

Mwari muna masimba ose
Baba waIshe wedu Jesu Kristu
Asingade kufa kwemutadzi,
Asi anoregerera avo vanobvuma zvidariko zvavo
Ndinzwireiwo ngoni
Ndiri mutadzi anobvuma zvitadzo zvake
Ndiregerereiwo
Nenzira yaJesu Kristu Ishe wedu akakomborerwa!

Amen.

Tuesday, November 06, 2007

Hymn 143

Mumwe ariko kum’soro
Anotida
Rudo rwake rwaakakomba
Anotida!
Hama dzedu dzinotiza
Zvimwe dzingatitambudze
Haanakutinyengedza
Anotida!

Kumuziva ndoupenyu
Anotida!
Waakatipa zvinhu zvose
Anotida!
Tanga tiri kure naye
Wakatitenga neropa
Zvino tachengetwa naye
Anotida!

Jesu ndiShamwari wedu
Anotida!
Woda kutiropafadza
Anotida!
Mwoyo yedu inomuda
Yoda kushovedzwa naye
Zvorikwazvo nechokwadi
Anotida!


Anoregerera zvivi
Anotida!
Hondo dzedu dzinokundwa
Anotida!
Anotipa zvipo zvose
Wopa namakomborero
Achatipa noutsvene
Anotida!
Amen.

Source: NziyoDzeMethodist neMinamato, Gwelo, Zimbabwe: Mambo Press
http://shonahymns.blogspot.com/

Monday, November 05, 2007

Mwari Garai Neni

Mwari muna masimba ose
Baba waIshe wedu Jesu Kristu
Asingade kufa kwemutadzi
Asi anoregerera avo vanobvuma zvidariko zvavo
Garai neni ruva radoka
Ndiropafadzeiwo ne Mweya Mutsvene
Ndikunde Satan kubvira iye zvino
kudzamara kuve kusingapere. Amen