shona methodist hymns

a forum for the Christian faith, belief in one God, methodist church hymns, the sanctity of life, third world development issues, alleviation of poverty

Friday, June 20, 2008

Nhai Mwari, Matikanganwa Here?

Following is my prayer to God. Unotevera munamato wangu kunamusiki wedu, Mwari sekumuziva kwedu parurimi rweShona:

Nhai Mwari, matikanganwa here?
Inga tiri vana venyu wani
Takanyanyotadzeiko nhai Baba?
Topararira mumasango here Tenzi?
Toponderweiko nhai Tenzi?

Nunurai vari mumatambudziko
Nyaradzai vari kuchema
Chengetayi nherera
Vapei mararamiro panguva yakaoma
Ndimi chete munokwanisa kuregerera

Dzimai mweya yetsvina yaparadza nyika yedu
Dzikinurai vakabatwa uranda
Komborerai varikupisirwa misha yavo
Dzimai misodzi izere pamatama edu
Ndimi chete munokwanisa kununura nyika yedu

Ndimi munoranga tsvuura muromo
Ndimi munoona zviri kuitwa nevavengi
Ndimi munonzwa zviri kurongwa nemuvengi
Ndimi munoziva kuri kuvigwa vasungwa
Ndimi munoziva zuva nenguva

Kuburikidza nezita raJesu Kristu Mwanakomana wenyu, Ishe wedu, wakarovera pamuchinjikwa, akafa akavigwa akamuka nezuva retatu,
akakwira kuenda kudenga kwaaegere kurudyi rwaBaba.

Amen.